Vatsvagururi veAMP vanozivisa pamusoro pezvekutanga zvakabuda mutsvagurudzo dzeAMP
Mavara anoti AMP akamirira kuti Antibody Mediated Prevention. Idzi ipfungwa dzekupa vanhu masoja ekudzivirira chirwere nekuti tione kuti tingakwanise here kuzivirira Mukondombera.
Chidzidzo ichi chinerimwewo zita rinonzi HVTN 703/HPTN 081, kuongorora kwenzira itsva yekudzivirira Mukondombera. Muzvidzidzo zvemazuva ese zvekubaya nhomba, tinobaya nhomba tigomira kuona kuti miviri yavo inokwanisa here kugadzira masoja ekudzivirira chirwere anorwisa Mukondombera. Muchidzodzo ichi, tinodarika nhanho iyi, uye tinobva tagadzira nzira yekuvapa masoja ekudzivirira chirwere mumuviri. Tinoshandisa nzira yekubaya zvinowedzerwa, vamwe vanhu vanoshandisa izwi rekuti IV kana kubaiwa diripu. Ichi chidzidzo chekutanga kuongorora kuti masoja ekudzivirira chirwere anokwanisa here kudzivirira Mukondombera.