Chidzidzo ichi chichatanga kunyoresa vanhu pakutanga kwegore ra2016. Chichaitwa munzvimbo idz munyika ye Africa:
Ku Botswana: Gaborone
Ku Kenya: Kisumu
Ku Malawi: Blantyre, Lilongwe
Ku Mozambique: Maputo
Ku South Africa: Cape Town, Durban (kumakirinika maviri), Johannesburg, Klerksdorp, Mamelodi, Rustenburg, Soweto, Tembisa, Vulindlela
Ku Tanzania: Mbeya
Mu Zimbabwe: Harare (kumakirinika maviri), Chitungwiza
Chimwe chidzidzo che AMP chakafanana nechino chirikuitwa kunyika dze ku US ne ku South America. Chichatanga kunyoresa vanhu mugore ra 2016. Chimwe chidzidzo che AMP chinonzi HVTN 704/HPTN 085.
Sangano reNational Institute of Allergy neve Infectious Diseases (NIAID), nhengo ye U.S. National Institutes of Health, ndivo varikubvisa mari inoshandiswa pano. Veku NIAID, ve HIV Vaccine Trials Network (HVTN), uye neve HIV Prevention Trials Network (HPTN) ndivo vakanyora zvese zvechidzidzo ichi. Sangano re Dale and Betty Bumpers Vaccine Research Center (VRC), rakasungana neve NIAID, ndivo vanopa masoja ekudzivira chirwere anonzi VRC01 anoshandiswa muchidzidzo ichi.
Masanano eHVTN uye ne HPTN anowanikwa pasi rese kunyanya pakushanda pamwe nevana mazvikokota ve science, vezvedzidzo, uye vagary vari mumatunhu ese vari mushishi rekutsvaga nzira dzekudzivirra Mukondombera. Ve HVTN vanongama nezve nzira dzekugadzira jekiseni rising kuvadze uye rinshanda rekudzivirira Mukondombera, uye ve HPTN vachinangana nedzimwe nzira dzekudzivirira Mukondombera dzakaita se dzinonzi pre-exposure prophylaxis uye nzira dzekurapa nekuzvidzivirira.Ve HVTN vanowana mari yavo kubva kusangano re NIAID. Ve HPTN vanowanawo mari kubva kusangano re NIAID, sangano re National Institute on Drug Abuse (NIDA), uye sangano re National Institute of Mental Health (NIMH).
Zvidzidzo zvese zve HVTN nezve HPTNzvinotarisa zvakafanana uye zvese zvinotsvaga nzira dzekudzivirira Mukondombera. Chinangwa chikuru pazvidzidzo izvi ku:
Chidzidzo cheHVTN 703/HPTN 081 AMP chino ongorora kuti masoja ekudzivirira chirwere akagadzirwa anokwanisa kushanda here kudzivirira Mukondombera muvanhukadzi vanogara munyika dziri mu sub-Saharan Africa. Mavara anoti AMP akamirira kutiAntibody Mediated Prevention. Idzi ipfungwa dzekupamhidzira masoja ekudzivirira chirwere muvanhu kuti varwise Mukondombera kuti tione kuti vanokwanisa here kuzvidzivirira kuti vasabate Mukondombera.
Masoja ekudzivirira chirwere mumuviri akasikwa kuita kuti miviri isabate zvirwere. Kupamhidziria masoja ekudzivirira chirwere inzira inozikanwa munyaya dzekurapa uye inezana remakore ichishandiswa. Tingape mufananidzo wekuti vanachiremba vanokwanisa kupamhidzira masoja ekudzivirira chirwere che hepatitis A kana B uye chibokisi. Mamwe masoja ekudzivirira chirwere akagadzirwa muma laboratory. Masoja ekudzivirra chirwere akagona kushandiswa pakurapwa kwechirwere chakaipa chinotadzisa vacheche kufema chinonziRSV.
Chidzidzo che AMPchino ongorora masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01, akagadzorwa anoshanda pakudzivirira Mukondombera. Idzi ipfugwa itsva dzekudzivirira Mukondombera dzakafanana nezvakaitwa pakata its zvidzidzo zekugadzira jekiseni rekudzivirra Mukondombera. Kana pachishandiswa jekiseni rekudzivirira Mukondombera, vanhu vanobaiwa uye vaongorori vagomira kutarisa kuti miviri yavi inokwanisa here kugadzira masoja ekudzivirira chirwere cheMukondombera nekuti pashandiswa jekiseni. Muchidzidzo ichi tichadarika nhano iyi, uye tichaita zvekupamhidzira masoja ekudzivirira chirwere aya muvanhu.
Pakuongororwa kwakaitwa muLaboratory zvakaratidza kuti masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 anokwanisa kudzivirira ndunzi dzeMukondombera dzakasiyana-siyana. Masoja ekudzivirira chirwere aya anonzi VRC01 anokwanisawi zvakare kudzivirira Mukondombera mukati memhuka dzesango. Chidzidzo che AMP chichatibatsire kuona kuti masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 achakwanisa here kudzivirira Mukondombera muvanhu.
Masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 akawanikwa mukati meropa remumwewo munhu akanga aine Mukondombera asi muviri wake uchikwanisa kuzvidzivirira pasina kushandiswa mishonga yema antiretroviral kwemakore uye asina kana kumborapwa. Masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 haagadzirwe kubva muMukodombera mumbishi, kana Mukondombera wakafa, kana zvimwewo zvakazara Mukondombera. Saizvizvo masoja ekudzivirira chirwere aya haakwanise kukonzera Mukondombera kana Chirwere Cheshuramatongo. Masoja ekudzivirira chirwere aya akagadzirwa nenzira imwechete neyekugadzira mishonga yatinoshandisa pamazuva ese.
Masoja anonzi VRC01 anoita zvekubaiwa achiiswa mutsinga.Izvi zvinowanzo zikanwa sekuti kuwana IV kana kuwana diripu. Kubaiwa mutsinga uku kunoitwa kuvanhu vakapida muchidzidzo ichi kwenguva inokwana maminitsi 15-60. Kana muchibaiwa mutsinga, panoshandiswa katsono kasina kumboshanda kakaiswa mukachubu keplastic katsono kobaya mutsinga yeparuwoko. Kasaga kanemvura kachaturikwa pakatanda uye kakabatanidzwa nekapombi, kanoita kuti mvura ibude zvakaerwa ichipinda mumuviri netsinga iri paruwoko.
Pachave nemapato matatu muchidzidzo ichi. Bato rekutanga revakapinda muchidzidzo ichi richawana masoja ekudzivrira chirwere akasimba kana vachibaiwa mutsinga. Rimwe bato richawana masoja ukudzivirira chirwere asina kunyanya kusimba kana vachibaiwa mutsinga. Bato rechitatu richabaiwa mvura inesauti chete isina kupamhidzirwa masoja ekudzivirira chirwere. Izvi zvino zikanwa se placebo.
Chidzidzo ichi chichanyoresa vanhukadzi vanokwana1900 vanowanikwa kunzimbo dzechidzidzo dzkasiyana-siyana munyika ye Africa.
Vanhukadzi vanowanikwa unyika dzemu sub-Saharan Africa ndivi varimunjodzi huru yekubata Mukondombera. Ndiv vanonyaya kutsvaga nzira itsva dzekudzivirira Mukondombera, zvakakosha zvikuru kuti vapinde muchidzidzo ichi chekutsvaga nzira itsva dzekuzvidzivirira.
Kana muchida kupinda muchidzidzo ichi, munhukadzi wega-wega anofanirwa kuve nehutano hwakanaka, anemakore aripakati pe18 kusvika 40, asina kubatwa neMukondombera. Haafanirwe kuvenemimba kana kuyamwisa. Pane zvimwewo zvinodiwa kwaari. Tichabvubza nezvehutano hwavo, togovaongorora muviri wese, uye tigotora ropa neweti tichinozviongorora. Tichada kuziva zvakara nenyaya yavo yekupinda pabonde uye kana vachishandisa zvinodhaka.
Hatinyatso ziva zvese zvemasoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 sekuti akangoshandiswa kuvanhu vanokwana 140 people cete muzvidzidzo zvakapfuura. Kunyange zvazvo pasina munhu akapinda muzvidzidzo zvakapfuura akawana zvinonetsa pahutano, zvinogona kuti pangangove nezvimwewo zvatisina kutarisira.
Ndizvo saka chidzidzo ichi chichiitwa kuogorora kuti masoja ekudzivirira chirwere aya haana zvinokuvadza here kana akapihwa vanhu vakawanda. Mumwe nemuwe wese achapinda muchidzidzo ichi akaramba akatariswa chaizvo kuti hutano hwake husakanganisike.
Hatizive. Zvidzidzo zve AMP studies ndizvo zvekutanga zvakagadzirirwa kuongorora kuti masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 anokwanisa here kudzivirira Mukondombera. Vanhu vakapinda muchidzidzo ichi havafanirwe kufunga kuti vachdzivirirwa kusabata Mukondombera kana vapinda muchidzidzo che AMP. Zviripo apa, ndezvekui chikamu chavo chichawana mushonga we placebo.
Vanhu vese vakapinda muchidzidzo ichi vachakurukurwa navo zvakadzama nenyaya yekudzvirira Mukondombera.
Kana tichitaura nenzira dzekudzivirira Mukondombera, vakapinda muchidzidzo nevashandi vachakurukura nenyaya dzekushandisa makondomu, PrEP, kusashandsa zvinodhaka ezvimwe panguva yekupinda pabonde, kusava nevepawoyo vakawanda, kunyatsokurukura nezve Mukondombera musati mapinda pabonde. Vashandi vachakuzivisai kunowanikwa PrEP munharaunda menyu.
Chidzidzo ichi chichangoita sekutamba makasi. Izvi zvinoreva kuti pane vamwe vachawana masoja ekudzivirra chirwere anesimba guru, masoja ekudzivirira chirwere anesimba shoma, kana mushonga we placebo zvakaita sekutamba makasi. Zvinoreva kuti vanhu varimumapato matatu aye atamoreva zvanowana zvimwechete. Vakapinda muchidzidzo ich vachawana ruzivo rwumwechete rwekudzivirira Mukondombera, saka mabatirwo kana madzivirirwo eMukondombera akafanana kumapato ese. Tinoziva zakare kuti kunyange tikashanda zvakasimba kudzivirira kubatwa neMukondombera, vamwe vachabatwa nawo. Mutsauko mukuru ndewekuti pane vakawana masoja ekudzivira chirwere anonzi VRC01 kana vakawana mushonga we placebo. Sekuti zvese zvamapato matatu zvakafanana, mutsauko pakati pevanhu vachabatwa neMukondombera uchakonzerwa nekuwanikwa kwemasoja ekudzivirira chirwere.
Chidzidzo ichi chinotarisirwa kutora makore mashanu. Munhu ega-ega achagara machiri kwemakore anenge maviri.
Parizvino hapana hurongwa hwekuti masoja ekudzivirra chirwere aya apihwe vanhu kana chidzidzo chapera kana kuvapa rizenzi rekushandisa. Zvatichaita apa, tichashandisa zvatawana muchidzidzo ichi ku:
Kutsvaga kuti masoja ekudzivirra chirwere anobatsira here kudzivirira Mukondombera;
Kutsvaga kuti masoja ekudzivirra chirwere aya angagadziridzwe hered;uye
Kutsvaga kuti msoja ekudzivirra chirwere aya angagadzirwe here kuti ashandiswe neruzhinji rwevanhu.
Kwete, pano tinotarisira kuti pakuongororwa kweMukondombera vanhu vachangowana zvakafanana. Ropa rakasanganiswa nemasoja ekudzivirra chirwere anonzi VRC01 akaongororwa pachishandiswa nzira dze ma kit eMukondombera kuona kuti kana mukawana masoja ekudzivirira chirwere anonzi VRC01 kungakonzere Mukondombera here.Zvatakaongorora muma laboratory, thatinakuzviona izvi. Tirikuenderera mbere neongororo kuzadzisa izvi.
Kuchengeteka kwekodzero dzevakapinda muchidzidzo ichi zviri pamwoyo pedu uye idambudziko redu kuno ku HVTN ne HPTN. Kana tisina vakazvipira, hatikwanise kuita zvese zvataita zvekutsvaga nzira itsva dzekudzivirira Mukondombera.
Chinhano chekutanga pakuchekuchengeta kodzero dzevakapind muchidzidzo kuvapa ruzivo rwakakwana vasati vapinda. Izvi zvionzi kupa mvumo wawana ruzivo. Vashandi vepa kiriniki vachakupai ruzivo maererano nemasoja ekudzivira chirwere uye mafambisiro echidzidzo, zvamuchawana kana zvichakubatsirai uye kodzero dzamunadzo. Munekodzero yekuwana ruzivo rwutsva rwungakanganise mabatiro echidzidzo uye kuti mungade kurama muri machiri kaa kubuda machiri chero nguva.
Panguva yechidzidzo ichi, vashandi vacharamba vachitarisa kuona kuti masoja ekudzivirra chirwere aa haana zvaarkukanganisa here pahutano. Vashandi vepakirnika vacharamba vachibvunzaw kuti hapana here zvirikunetsa pamagariro enyu sezvo muri muchidzidzo ichi. Kana munu akapinda muchidzidzo ane zvinotesa pamagariro ake, vashandi vepakirinika vachabatsira.
Pane mapato akamirira zvekodzero dzevakapinda muchidzidzo ichi:
Zvepamusoro pe Chidzidzo che AMP: www.ampstudy.org.za
Zvepamusoro pe HIV Vaccine Trials Network: www.hvtn.org
Zvepamusoro pe HIV Prevention Trials Network: www.hptn.org
Kana munemimwewo mibvunzo yatisina kupindira mugwaro iri, tapota tibvunzei. Munokwanisa kubatana na: [email protected]