Tsvagurudzo dzeAMP dzakaratidza kuti masoja eVRC01 anoita zvekugadzirwa anoshanda kupedza simba rehutachiwana zvekuti anogona kudzivirira munhu mukubatira kwedzimwe mhando dzehutachiwana hweHIV.
Tsvagurudzo dzeAMP dzakapinza vanhu madziri zvizere muna Gumiguru 2018. Tsvagurudzo mbiri dzekuedza dzeChikamu che2b dzaifambiswa nevesangano reHIV Vaccine Trials Network (HVTN) uye vesangano reHIV Prevention Trials Network (HPTN) dzakapinza vanhu vanosvika 4, 625 madziri vari vanhu vanga vakatarisana nenjodzi yekuti vangabatira hutachiwana hweHIV munzvimbo dziri kuMaodzanyembe nekuChamhembe kweAmerica, Europe, uye nyika dzemudunhu rekuchamhembe kweAfrica.
Tsvagurudzo idzi dzichiri kuenderera mberi zvakare dzichakawandisirwa veruzhinji kusvikira vose vari mutsvagurudzo idzi vapedza kushanyira nzvimbo dzavo dzetsvagurudzo, izvo zvinotarisirwa kunge zvapera mukutanga kwegore ra2021.
Rumwe ruzivo rwakawanda pamusoro peTsvagurudzo dzeAMP uye zvakabuda madziri zvinogona kuwanikwa pano: